27/10/2025
Kune mhando shanu dzezvifumuro. Dzinoti:
1. Chifumuro mhepo.
2.Chifumuro Bani.
3. Chifumuro chechikadzi.
4. Chifumuro CheGono.
5. Chifumuro cheMhondoro.
Kune vapwere vamwe vasati vawana zivo vanoti hakuna zvifumuro zvakawanda. Uko kusaziva kuye. Vapwere vasina chavanoziva .
Zvifumuro izvi zvinoshanda pakasiyana-siyana uye zvichiita zvakasiyana-siyana.
Zvimwe ndezvedziviriro ,zvimwe ndezvekurapa,zvimwe ndezvekutsvara wakaipa and so on.
Zvinoita sezvakafanana pakutaridzika kwazvo asi zvakasiyana zvekuti. Ndikakupa zvese zviri zvishanu pano ,ukaenda nazvo kune vatana chaivo vanoziva ,anokuudza kuti ichi ndeichi,ichi ndeichi with ease.
Now ,chinonzi cheGono hachiwanikwi njee. Chinoita zvekuroteswa munhu ,otaridzwa gwara kumakope ikoko. Anenge ari munhu akachena zvekurevesa. Ataridzwa oenda ikoko onotora. Atora ochipa kune vatana vanonzwikwa naMusikavanhu. Chopinzwa mumatare chichipirwa kunaMusikavanhu. Kuti Musikavanhu , mutombo wamakatipa heyo woenda kuvapwere venyu. Vane zvinovatambudza. Vamwe havaroorwi. Vamwe vanorarwa nenyoka. Vamwe havana chavanobata chinobuda and so on. Chiitai kuti pavachachishandisa vachitaura Zita renyu kubudikidza neMwanakomana Akayereswa, Gombwe remakombwe, Neanji weDenga zvese zviite.
Chinopinda process iyoyi katatu pavanhu vakasiyana.
Chochiuya kune anondipa. Oitawo same thing ,ochindipa ndokupai.
Haaaaaa unonyeba iwe! Ukachishandisa apo uchinamata iwe hahaaha never. Hazvigoni! Hazvikoni kani. Never. In Jesus Name. Amen and Amen.
Mike Pasi. Tough Talk family.